Kusateerera (feat. Hugh Masekela)

Pasi rino zvaringori rima
Iro zuva rakacheka nyika
Maziso haachaona
Nenzeve kunzwa hadzichada

Nguva chaiyo hatichina Mambo
Zuva, mwedzi negore hazvichakwana
Tongoswero tenderera
Kutendeuka hatichaziva

Njere hatichina Mambo
Mototungamirira vana
(Kusateerera, kusateerera)

Kuzivisisa ndokwatazara nako Mambo
Kubva tazivisisa ruzivo kukunda muzivi
Nharo humbimbindoga, kusateerera
Idzo nzeve dzichinzwa, kusateerera

Nguva hatichina Changamire
Zuva, mwedzi negore hazvichatikwanira isu
Tongoswerotenderera
Iko kutendeuka hatichaziva

Ruzivo hatichina Mambo
Mototungamirira vana
(Kusateerera, kusateerera, kusateerera)

Pasi racho ritori rima
Zuva rakacheka nyika kudaro
Ziso harichaona iri
Nenzeeve kunzwa hadzichada

Ruzivo hatichina Changamire
Mototungamirira vana
(Kusateerera) kusateerera
(Kusateerera) kusateerera

Kuzivisisa ndookwatazara Mambo
Kubva tazivisisa ruzivo kukunda muzivi
Nharo humbimbindoga, kusateerera
Nzeve dzichinzwa, kusateerera

(Kusateerera) kusateerera (kusateerera)
(Kusateerera) kusateerera
(Kusateerera) kusateerera
Kusateerera (kusateerera) kusateerera
(Kusateerera) ruzivo hatichina Changamire (kusateerera)
(Kusateerera) mototungamirira vana (kusateerera)
(Kusateerera)



Credits
Writer(s): Oliver Dairai Mtukudzi
Lyrics powered by www.musixmatch.com

Link