Ndibatsireiwo

Kurumidzai imi Mwari kundinunura
Kurumidzai imi Tenzi kundibatsira

Ngavanyadziswe
Vakangaidzwe
Vanhu vanotsvaka hupenyu hwangu
Ngavadzoserwe shure nokunyadziswa
Vaya vanofarira kuti ndipinde munjodzi

Ngavadzokere shure nokuda kwokunyadziswa kwavo
Vaya vanonditi Tsvatu waro ngavadzokere shure

Asi ini ndakaneta uye
Ndiri chinhu chenhando
Kurumidzai kuuya kwandiri
Imi Mwari
Imi ndimi mubatsiri wangu
Regai kunonoka

Vose vanokutsvakai
Ngavapururudze
Vachikufarirai
Vaya vanoda ruponeso rwenyu
Ngavagare vachiti
Mwari ngaakudzwe
Mwari ngaakudzwe

Asi ini ndakaneta uye
Ndiri chinhu chenhando
Kurumidzai kuuya kwandiri
Imi Mwari
Imi ndimi mubatsiri wangu
Regai kunonoka

Kurumidzai imi Mwari kundinunura
Kurumidzai imi Tenzi kundibatsira

Ngavanyadziswe
Vakangaidzwe
Vanhu vanotsvaka hupenyu hwangu
Ngavadzoserwe shure nokunyadziswa
Vaya vanofarira kuti ndipinde munjodzi



Credits
Writer(s): Admire Mufakazi
Lyrics powered by www.musixmatch.com

Link