Chero uchindida

Handina mhosva kana nani zvake
Handimbokendenga kana zvoita sei
Chero iwe mudiwa wangu uchindida iwe

Chero iwe mudiwa wangu usingandibhowe

Nzara yangu handiyekudya kwete
Inzara yekukusuwa iwe
Ndiani angapedza nzara iyoyi
Kunze kwako mudiwa wangu?

Maroto andinorota nezvako huchi
Mangwana acho fume ndakadekara
Muswere wose raki rega rega
Uri chisipite chiri mugwenga

Une rudo runenge zuva mudiwa
Risingapinduke kubuda nekunyura

Handina mhosva kana nani zvake
Handimbokendenga kana zvoita sei
Chero iwe mudiwa wangu uchindida iwe
Chero iwe mudiwa wangu usingandibhowe

Nzara yangu handiyekudya kwete
Inzara yekukusuwa iwe
Ndiani angapedza nzara iyoyi
Kunze kwako iwe mudiwa wangu?

Maroto andinorota nezvako huchi
Mangwana acho fume ndakadekara
Muswere wose raki rega rega
Uri chisipite chiri mugwenga

Une rudo runenge zuva mudiwa
Risingapinduke kubuda nekunyura

Iwe, iwe uri wangu
Kana neni, ini ndiri wako
Iwe, iwe uri wangu
Kana neni, ini ndiri wako

Handina mhosva kana nani zvake
Handimbokendenga kana zvoita sei
Chero iwe mudiwa wangu uchindida iwe
Chero iwe mudiwa wangu usingandibhowe

Nzara yangu handiyekudya kwete
Inzara yekukusuwa iwe
Ndiani angapedza nzara iyoyi
Kunze kwako mudiwa wangu?

Maroto andinorota nezvako huchi
Mangwana acho fume ndakadekara
Muswere wose raki rega rega
Uri chisipite chiri mugwenga

Une rudo runenge zuva mudiwa
Risingapinduke kubuda nekunyura

Iwe, iwe uri wangu
Kana neni, ini ndiri wako
Iwe, iwe uri wangu
Kana neni, ini ndiri wako



Credits
Writer(s): Marshall Munhumumwe
Lyrics powered by www.musixmatch.com

Link