Mabvei

Paivapo
Dzefunde ndinayo
Kuseri kwegomo vasangana kumvura kutsime
Chinenge chinyakare
Asi kusina runako rukuonekera painstagram nepafacebook
Ndokwakasangana mabveyi nengirozi kupenya inonzi enda neni
Shoko rakasvika kuna unozvireva kuno baba vanoda mabhachi
Zvisina kupikisana nerudo mabveyi anopinda parwendo rwekutsvaga achiimba

Ndonzi mabveyi
Enda neni
Enda neni

Ndonzi mabveyi
Enda neni
Enda neni

Ndezva mabveyi anechakananga mupeyi mukana akagadzikana achazvisasa
Ndezva mabveyi anekachaakananga chakaananga chaakananga
Ndezva mabveyi anechakananga mupey imukana akagadzikana achazvisasa
Ndezva mabveyi anekachaakananga chakaananga chaakananga

Ihama yepamoyo ndangozvizivira
Pandamuona ndamuudza ndokufambira
Vachandigayira chinangwa ndazvitangira
Chandazvitangira ndopedza ndakumbundira

Ndonzi mabveyi
Enda neni
Ndonzi mabveyi
Enda neni

Ndezva mabveyi baba ndovaona
Ndivaudze pamusha penyu ndoda hukama
Ndezva mabveyi baba ndovaona ndovaona ndovaona

Ndezva mabveyi baba ndovaona
Ndivaudze pamusha penyu ndoda hukama
Ndezva mabveyi baba ndovaona ndovaona ndodahukama

Vati vanoda dzinotsika tsika
Mombe yehumai kuma kuma
Mabhachi ekuchengeta
Marokwe ekuputira mundiro
Tokanda yekuwumba hukama

Ndonzi mabveyi
Ndonzi mabveyi

Ndezva mabveyi muhomwemune ngoda
Anoda ruoko nemwana wenyu vagochata
Ndezva mabveyi muhomwemune ngoda
Anoda ruoko nemwana wenyu vagochata

Vanopembera baba nemabhachi
Amai nemarokwe avo emavara
Mabvey anozadzikisa chivimbiso chekutora mudzimai wake enda neni
Enda neni anotungamirira mambvey kupinda mudziva
Ndopakaperera sarungano



Credits
Writer(s): Tanaka Chuma
Lyrics powered by www.musixmatch.com

Link