Mukadzi Anogeza

Hehe, hehe, hear me ah say
Ayo, Jusa (I hear dat)
Bigman, Bigman (sure. sure)
Ah, di Ninja President, maNinja
Yo, Layaan
Tsvaga mai mpfana vekidaz wokanda pazayan
Hoo

Imi madzimai inzwai zvatinoda isusu vanababa
Chatisingade isu pane munhu wemukadzi huchapa
Ukangogona kugeza chete, chirwere chedu isu watochirapa
Unondiwana ndiripamba ini mangwanani nehusiku ndapedza supper

Nekuti
Hakuna chinhu chinovaraidza kunge mukadzi anogeza (mukadzi anogeza)
Mukadzi anogeza ndinomuda, ndikamuwana ndichamudeedza (ndichamudeedza)
Hakuna chinhu chinovaraidza fanika mukadzi anogeza (fanika mukadzi anogeza)
Mukadzi anogeza, vari muZimbabwe hakuna anovapedza (anovapedza)

Vamwe varume vanoita zvekuteedza pfambi kumabhawa (pfambi kumabhawa)
Kumba anaye mukadzi musvinu akanaka, mushava (akanaka, mushava)
Vanovateedza ivavo vachiti', "Vane ganda rakapfava" (vane ganda rakapfava)
Mai Boy vakakumbira mari yesipo nebhutsu unovakava (aihwaka)

Saka ndinobvunza kuti, "Wapindwa neiko, iwewe hindava?" (iwewe hindava?)
Mukadzi akada kugadziriswa musoro hautani kuvava (hautani kuvava)
Asi kumabhawa unopedza mari yemuhomwe neyemunhava (neyemunhava)
Mushonga umwechete madzimai, farirai mvura sengarava

Dzimwe dzenguva ndinoona vana amai imi hamuna mhaka (hamuna mhaka)
Dambudziko rinesu vanababa, tinomboita fanike takadhakwa (fanike takadhakwa)
Tinovada vakadzi vanochena, hativatengere hembe dzakanaka (hembe dzakanaka)
Ukamuona akapfeka yausina kutenga, hapabude chakanaka (sure, sure)

Sakani voita seiko ava vanhukadzi? (Ava vanhukadzi)
Murume asingakwanise kuchengeta mukadzi imharadzi (imharadzi)
Mukadzi ari pamurume ava kunge shirikadzi (ava kunge shirikadzi)
Pafungeyi MaNinja (hee?)
Ko dai iri yako hanzadzi? (Hoowo)

Hakuna chinhu chinovaraidza kunge mukadzi anogeza (mukadzi anogeza)
Mukadzi anogeza ndinomuda, ndikamuwana ndichamudeedza (ndichamudeedza)
Hakuna chinhu chinovaraidza fanika mukadzi anogeza (fanika mukadzi anogeza)
Mukadzi anogeza, vari muZimbabwe hakuna anovapedza (anovapedza)

Imi madzimai inzwai zvatinoda isusu vanababa
Chatisingade isu pane munhu wemukadzi huchapa
Ukangogona kugeza chete, chirwere chedu isu watochirapa
Unondiwana ndiripamba ini mangwanani nehusiku ndapedza supper

Nekuti
Vamwe varume vanoita zvekuteedza pfambi kumabhawa (pfambi kumabhawa)
Kumba anaye mukadzi musvinu akanaka, mushava (akanaka, mushava)
Vanovateedza ivavo vachiti', "Vane ganda rakapfava" (vane ganda rakapfava)
Mai Boy vakakumbira mari yesipo nebhutsu unovakava (aihwaka)
Saka ndinobvunza kuti, "Wapindwa neiko, iwewe hindava?" (iwewe hindava?)
Mukadzi akada kugadziriswa musoro hautani kuvava (hautani kuvava)
Asi kumabhawa unopedza mari yemuhomwe neyemunhava (neyemunhava)
Mushonga umwechete madzimai, farirai mvura sengarava

Nekuti
Hakuna chinhu chinovaraidza kunge mukadzi anogeza (mukadzi anogeza)
Mukadzi anogeza ndinomuda, ndikamuwana ndichamudeedza (ndichamudeedza)
Hakuna chinovaraidza fanika mukadzi anogeza (fanika mukadzi anogeza)
Mukadzi anogeza, vari muZimbabwe hakuna anovapedza (anovapedza)

Credits
Writer(s): Wallace Chirumiko
Lyrics powered by www.musixmatch.com

Link