Ndini Ndakatanga

Ah Di Ninja President
Copy dat
MaNi- maNi-, maNi-, maNinja

Chinhu nechinhu mukurarama ziva pane pachinotangira (pachinotangira)
Ini zvangu Bigman ndine chimoko changu chandakanyangira (chandakanyangira)
Ndaizvibigger maningi ndichitoti pandiri chakatohakira (chakatohakira)
Nhasi chane meso-meso, asi baby uri mumwe rangarira

Kuti inini ndini ndakatanga ini
Baby, ndati ndini ndakatanga ini
Mumoyo unozviziva
Vakomana vese vaingokuchiva
Asi inini ndini ndakatanga ini
Baby, ndati ndini ndakatanga ini
Vakomana vaikwata (kwata)
Ndakasvika Bigman ndikabata (bata)
MaNinja (bata, bata)

Ndakakajumha kamoko tichaenda kuchikoro
Kaindiziva ndichiita zvekuridza mangoma pahoro
Ndakakaona kachifamba kega mumwe musi zvinyoro-nyoro
Ndikati; "Ndeipi baby? Ndini Bigman, iwe unonzani?"
Kasati kandipundura ndakabva ndakabvunza; "Uri form ani?"
Kakabva kanditarisa mumaziso zvine chokwadi
Ini pandakaoona tsono dzangu dzakudaira
PachiNinja ndakaramba ndichifaira
Ndikati; "Baby, ndipe number ndizodialler"
Zvikanzi; "Fona husiku, ndinokudaira"

Ndini ndakatanga ini
Baby, ndati ndini ndakatanga ini
Mumoyo unozviziva
Vakomana vese vaingokuchiva
Asi inini ndini ndakatanga ini
Baby, ndati ndini ndakatanga ini
Vakomana vaikwata (kwata)
Ndakasvika Bigman ndikabata (bata)
MaNinja (bata, bata)

Ndakadanana naye mwana achakavimbika
Achayevedza kutarisa segungwa repaSouth Africa
Ndaizvirova dundundu vedzimotikari vasati vasvika
Paakadya window, akabva ayenda nenyika
Haana kuzoita nguva yekutsenga, akabva amhanyira kumedza
Kana paRokesheni, MaNinja haachamuremekedza
Mhando nemhando dzemota dzomutsveta mangwanani kwoyedza
Saka baby, ndini ndakapenga nekuti chakatanga ndochakachenjedza

Saka inini ndini ndakatanga ini
Baby, ndati ndini ndakatanga ini
Mumoyo unozviziva
Vakomana vese vaingokuchiva
Asi inini ndini ndakatanga ini
Baby, ndati ndini ndakatanga ini
Vakomana vaikwata (kwata)
Ndakasvika Bigman ndikabata (bata)
MaNinja (bata, bata)

Chinhu nechinhu mukurarama ziva pane pachinotangira (pachinotangira)
Ini zvangu Bigman ndine chimoko changu chandakanyangira (chandakanyangira)
Ndaizvibigger maningi ndichitoti pandiri chakatohakira (chakatohakira)
Nhasi chane meso-meso, asi baby uri mumwe rangarira

Kuti inini ndini ndakatanga ini
Baby, ndati ndini ndakatanga ini
Mumoyo unozviziva
Vakomana vese vaingokuchiva
Asi inini ndini ndakatanga ini
Baby, ndati ndini ndakatanga ini
Vakomana vaikwata (kwata)
Ndakasvika Bigman ndikabata (bata)
MaNinja (bata, bata)



Credits
Writer(s): Wallace Chirumiko
Lyrics powered by www.musixmatch.com

Link