Ndinewe

Ah di master (ah di master, ah di master)

Zvinonzi Mwari haakupe muruoko (muruoko)
Ichokwadi ichocho
Inini zvangu zvakatanga sezviroto (sezviroto)
Muhope ndichingoona kachimoko
Kusaziva ndaioneswa zviri mberi (mberi)
Kuchauya mhandara inenge Mary (Mary)
Asi nhasi, Ishe Tenzi vazozadzikisa
Pavasanganisa inini newe

Muhutano kana mukurwara
Ini ndichange ndinewe
Mukuchema kana mukufara
Ini ndichange ndinewe
Zinondirwadza kukushaya
Mupfungwa ndinongogaya
Kuchipisa, kuchinaya
Tichange tichingovhaya
Nemota kana netsoka
Ndikayenda ndinodzoka
Zvinofadza haundidire mari
Zvingazonetsa ndikabroker

Nguva dzese ndichange ndiri pauri
Waita kuti ini ndide kutanga mhuri
Ndichagara parutivi semumvuri
Baby, rudo rwechokwadi ndozvarwuri
Chindiisa pachipfuva
Wajekesa hupenyu hwangu uri zuva
Hupenyu ndiinewe, mubhedha wamaruva
Handikusiye nyangwe upinde muguva

Muhutano kana mukurwara
Ini ndichange ndinewe
Mukuchema kana mukufara
Ini ndichange ndinewe
Zinondirwadza kukushaya
Mupfungwa ndinongogaya
Kuchipisa, kuchinaya
Tichange tichingovhaya
Nemota kana netsoka
Ndikayenda ndinodzoka
Zvinofadza haundidire mari
Zvingazonetsa ndikabroker

Saka ini ndazvipira
Kuva newe ndapikira
Rwaibva rudo, rwashinyira
Stayera dzako ini dzandiitira
Chipukuta misodzi iri pamatama (pamatama)
Titotanga kuvaka hukama (hukama)
Uri 'Baby' ndiri 'Daddy' tichimhanya
Vakada kupikisa vane godo, shaya hanya
Vimba neni, ndovimba newe
Tamba neni, ini ndotamba newe
Haiwa unondipisa manyemwe
Saka baby, rega ndikurume nzeve

Muhutano kana mukurwara
Ini ndichange ndinewe
Mukuchema kana mukufara
Ini ndichange ndinewe
Zinondirwadza kukushaya
Mupfungwa ndinongogaya
Kuchipisa, kuchinaya
Tichange tichingovhaya
Nemota kana netsoka
Ndikayenda ndinodzoka
Zvinofadza haundidire mari
Zvingazonetsa ndikabroker



Credits
Writer(s): Wallace Chirumiko
Lyrics powered by www.musixmatch.com

Link