Vashakabvu

Layaan
Ndipe pen nepaper
Ndinyore letter
MaNinja

Kune vakatisiya kuma90s
Ma80s, ma70s
Ndivatipe pasi pano paane machanges

Tsamba yangu kuVashakabvu
Mairi maparagraph
Makatisiya asi tichiine love
Muchiri yangu mbabvu
Vaiteacher, vairapa, vaitamba nhabvu
Nevese vari mumavhu
Zvinhu zvachinja rough

Ndombozivisa vasina kupinda muma90s
VemuZimbabwe chete, kwete vemamwe macountries
Phone dzogara muhomwe dzichi-user mabatteries
MaChina avemo muno, ovhura mafactories
Ndomboudza vaimbi vaitsikisa mimhanzi
Zvandinoziva handivaudze ndichiti; 'Hanzi'
Makasiya Leonard Dembo achirocker dhanzi
Zvino yangova MaNinja ayenda nechibhanzi
Nziyo dziya dzamakasiya dziri parecord
Takudzitora zvino toisa muiPod
Dzopihwa mahara nekuda kwetechnology
Mhuri dzenyu hadziwane kana chibodzi
Makasiya Mukanya ari pamberi paTuku
Zvino zvachinja, Zimbabwe yese yongoti; 'Tuku'
Aiwa zvaita VaMtukudzi zvikukutu
Ah di master

Tsamba yangu kuVashakabvu
Mairi maparagraph
Makatisiya asi tichiine love
Muchiri yangu mbabvu
Vaiteacher, vairapa, vaitamba nhabvu
Nevese vari mumavhu
Zvinhu zvachinja rough

Ndombotsanangura magariro edu netsika
Ndinoona vanhu vazhinji zvino varasika
Tinenge takuteera, yavakunoguma nyika
Zvoitika hazvichafadza Uyo akatisika
Pfekero yoita vasikana, moshamisika
Munozviramba ndoyamakasiya iri mimba
Dzatova mhandara dzakumboita zvepanyika
Kuti utsiure voti; "Hauzive zviri kuitika"
Mari yoshandiswa muno ndeyekuAmerica
Zim Dollar hakuna kana achamboriyeuka
Hakuchina Callbox kwane maCellular
MaComputer dzimba dzese takungoGoogler
MaBoysky amakavaka aya takapunza
Zvakanzi haasi pamutemo asi hamuna kutiudza
Paane Unity Government ndovimba makaudzwa
Mapato enyika obatana, nyika tosimudza
Mukaona Mbuya Nehanda mobva mavaudza
Pangu ndasakura ndazunza

Kune vakatisiya kuma90s
Ma80s, ma70s
Ndivatipe pasi pano paane machanges

Tsamba yangu kuVashakabvu
Mairi maparagraph
Makatisiya asi tichiine love
Muchiri yangu mbabvu
Vaiteacher, vairapa, vaitamba nhabvu
Nevese vari mumavhu
Zvinhu zvachinja rough

Yow, Bhudza
Vaiti maBorn Free tonetsa ka?
Havana kukwanisa kuona maBorn Facebook ariko mazuvano
Ikunabi aya
Ah di master



Credits
Writer(s): Wallace Chirumiko
Lyrics powered by www.musixmatch.com

Link